Gurudhara

Gurudhara - Pamwe songtekst

Je score:

Intro
Pachipamwe mhuri yeZimbabwe, Gurudhara ndadzoka!
Verse 1
MuHarare matogara inzvimbo yakakura,
Munevanhu vanofara ipi chero zvayo nguva,
Even though iko kufara kuchiendesa kumakuva,
Zvakaitika rimwe zuva,
Ndakakwira chitima chaienda kumufakose,
Ndipo dhuma dhuma nemhandara yakanaka chose
Ndakabva ndanyatsokuchonya,
Ziso rekuruboshwe ndichiitira asandikanganwe
Ndakaona ondidana nemunwe zvinyoro nyoro achiti swedera dhuze
Ndakaswedera dhuze ndikamuzevezera munzeve dzake ndichiti,
Unemashura ganda rako i think unogara mumvura
I think unogara mumvura
Chorus
Pamwe ndikamunyenga nemari achandifarira pamwe achafungaka kuti ndovhaira
Pamwe ndikamunyorera tsamba achaitambira, pamwe oiverenga pamwe oipisa pamwe zvondimakisa,
Pamwe kufunga kwangu , pamwe pamwe pamwe
Verse 2
Pakazosvika chitima,
Kwanga kwatosviba kwane rima
Ndakamhanyira kumberi ndikanomira pamukova and i said "handingadzorero tsvimbo cuz wegudo abata kumeso"
Rega nditsike tsike zvese bapiro negumbo,
Apa ndatsiga nzou mvuu iri hata,
Nyangwe akava sanzu nemarara ndichakakata,
Dont turn me down unenge wafuratira muchato,
Nyatsonditarisa hona takafitana,
Kutofitana senge chingwa nemazai,
Ndichinge ndane mari uchanwa tea nema pie,
Muimba yeround usandiudze urikurasika, usandiudze urikurasika
Chorus
Pamwe ndikamunyenga nemari achandifarira pamwe achafungaka kuti ndovhaira
Pamwe ndikamunyorera tsamba achaitambira, pamwe oiverenga pamwe oipisa pamwe zvondimakisa,
Pamwe kufunga kwangu , pamwe pamwe pamwe
Pamwe mungafunge kuti ndirikungowanza nyaya ,
Kurebesa munamato iro sadza richapora
Mskana wandotaura pachimiro akakora
Its either itype yangu or maybe itype yako
Wekuti ukaona unozara nemufaro
But at the same time unobva watya kuattacker , ndikamutanga,
Achandi attacker vagosara vaine nyaya,
Kunemerwa murambiwa hanzi anzwa nemadefeat
Mabhebhi anomuramba kumuviga 10 feet
Enda kuna save umbonogezwa munyama
Pamwe zvingaite nani matanda mazungunutswa
Iwo makunguwo akatya , akazofa mangani
Chorus
Pamwe ndikamunyenga nemari achandifarira pamwe achafungaka kuti ndovhaira
Pamwe ndikamunyorera tsamba achaitambira, pamwe oiverenga pamwe oipisa pamwe zvondimakisa,
Pamwe kufunga kwangu , pamwe pamwe pamwe
Vind dit lied op:
bol.com
amazon.com

Copyrights:

Auteur: ?

Componist: ?

Publisher: ?

Details:

Taal: languages.sn

Deel je mening

Dit formulier wordt beschermd door reCAPTCHA en de Google Privacy Policy en Servicevoorwaarden zijn daarbij van toepassing.

0 Reacties gevonden